Deuteronomy 13:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino unofanira kuferefeta, nokutȿakisisa, nokubvunzisisa kwaɀo; ɀino kana ukaʋona kuti ndeɀamaɀokwaɗi, kuti ndiɀo, kuti cinhu cinonyaŋgadza cakaɗai cakaitwa pakati pako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo unofanira kubvunzisisa, nokutsvakisisa uye nokuferefeta kwazvo. Zvino kana zviri zvechokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti ndizvo, kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa pakati penyu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyatsotsvakiridzai mufeye-feye nokunyatsobvunzisisa nyaya iyoyo. Kana zvikaonekwa kuti ichokwadi, kuti chinhu chakaipa chikadaro chakaitika pakati pavo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako;
Shona 2009?
zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako;
Shona SUB 2002 Bible
zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako;