Deuteronomy 13:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀakapambga ɀose unofanira kuɀiʋuŋganidzira pakati penzira huru yaro, ndokupisira Jehova Mŋari wako guta neɀakapambga ɀaro ɀose‐ɀose; ɀinofanira kuʋa murwi nokusiŋgaperi; harifaniri kuʋakwa ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Unganidzai zvose zvakapambwa zveguta pakati poruvazhe mugopisa chose guta uye nazvose zvakapambwa zvaro sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha Mwari wako. Rinofanira kugara riri dongo nokusingaperi, risingazovakwizve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinhu zvose zvamunowana zvirimo zvitutirei panhandare yomo yakakura muroromese guta iroro nomoto nezvinhu zvaro zvose, Tenzi Mwari wenyu azvione. Riregei rive dongo rakati murwi tuku risina anozorivaka zvakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose-zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve.
Shona 2009?
Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose-zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve.
Shona SUB 2002 Bible
Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose–zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve.