Deuteronomy 13:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
usaterera mashoko omuprofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehova Mŋari wenyu unokuidzai, kuti aziʋe kana muciɗa Jehova Mŋari wenyu nomŋoyo wenyu wose ʋuye nomŋeya wenyu wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rega kuteerera zvinotaurwa nomuporofita iyeyo kana muroti wehope iyeyo nokuti Tenzi Mwari wako anenge achitokuedza zvake achida kuona kuti unoda Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose here.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
usaterera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
Shona 2009?
usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
Shona SUB 2002 Bible
usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.