Deuteronomy 13:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi muprofita uyo kana muroti uyo ʋanofanira kuʋurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehova Mŋari wenyu, iye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, nokukudzikinurai muimba yoʋuranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehova Mŋari wako, kuti ufambe’mo. Naiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprofita kana muroti uyo anofanira kuurayiwa, nokuti akaparidza kumukira Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda; akaedza kukutsausai kubva panzira yaJehovha Mwari wenyu yamakarayirwa kuti muitevere. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi muporofita iyeyo kana muroti wehope iyeyo ngaaurayiwe, nokuti akafurira vanhu kupandukira Tenzi Mwari wenyu akakuburitsai kuIjipiti, akakununurai muuranda, achikutsautsa munzira yawakanzi naTenzi Mwari wako utevere naizvozvo unobva waita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikinurai muimba youranda, akakutsautsa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
Shona 2009?
Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikunurai muimba youranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
Shona SUB 2002 Bible
Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurayiwa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikinurai muimba youranda, akakutsautsa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.