Deuteronomy 13:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munuŋuna wako, kana mŋanakomana wamai ʋako, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana mukadzi unoɗikanwa newe, kana shamŋari yako yaunoɗa kwaɀo, ʋakakutsausa pakaʋanda, ʋaciti: Hendei tindoshumira ʋamŋe ʋamŋari, ʋawakaŋga usiŋgaziʋi, iwe, kana madziɓaɓa ako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana hama yako chaiyo, kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo ikauya kuzokutsausa muchivande, ichiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva iwe kana madzibaba ako,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvingaitike kuti ungafurirwewo nomukoma kana munun'una wako womumba, kana nomwanasikana wako, kana nomudzimai wako, muswerawakaringa chaiye, kana sahwira, shamwari yako yepamwoyo, ingakutaurire muchivande kuti, ‘Handei tindoshandira vamwe vamwari,’ vasingambozikanwa newe kana madzitateguru ako,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana mun'una wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikanwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, ‘Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako;
Shona 2009?
"Kana munun'una wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikamwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, `Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munun'una wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikanwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, ‘Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako;