Deuteronomy 14:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musadya cinhu cakaŋgota coga; uŋgacipa mŋeni uri mukati mamasuʋo ako, iye acidye, kana uŋgaciteŋgesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musadya chii zvacho chamunoona chakafa. Mungapa zvenyu kumutorwa agere mune rimwe ramaguta enyu, uye angadya zvake kana kuti mungatengesera zvenyu kumutorwa. Asi imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Musadye mhuka inenge yafa yoga, ipe zvako mutorwa waugere naye adye hake, kana kuitengesera mubvakure nokuti imi muri rudzi rwavanhu rutsvene rwakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Musabike mbudzana mumukaka wamai vayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Musadya chinhu chakan'ora choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Shona 2009?
"Musadya chinhu chakan'ora choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Shona SUB 2002 Bible
“Musadya chinhu chakangofa choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuwo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.