Deuteronomy 14:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndokuteŋga nemari iyo ɀose ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, kana ŋombe, kana makwai, kana waini, kana ɀinoɓata, kana ɀose ɀinoreʋa mŋoyo wako kwauri, udyire’po pamberi paJehova Mŋari wako, ufare, iwe nemhuri yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shandisa sirivha yacho kutenga zvaungada, zvakadai sezvizvi: mombe, makwai, waini kana zvimwe zvokunwa zvinobata, kana chinhu chipi zvacho chaunoda. Ipapo iwe neimba yako muchadya pamberi paJehovha Mwari wenyu mugofara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uzondotenga zvose zvaunoda, mombe kana hwai kana waini kana doro rinodhaka, chero chaunoda zvako udyire pana Tenzi Mwari wako iwe nemhuri yako mupembere muchifara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikanwa nomwoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinobata, kana zvose zvinoreva mwoyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.
Shona 2009?
ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikamwa nomoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinobata, kana zvose zvinoreva moyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.
Shona SUB 2002 Bible
ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikanwa nomwoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinodhaka, kana zvose zvinoreva mwoyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.