Deuteronomy 14:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi idzi dzinodzeya, kana dzinamahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzinamahwanda akaparadzana, hadzina‐kunaka kwamuri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei, pane idzo dzinodzeya kana dzina mahwanda akaparadzana, mahwanda akanyatsoparadzana, hamufaniri kudya ngamera, tsuro kana mbira. Kunyange zvazvo dzichidzeya hadzina mahwanda akaparadzana; hadzina kuchena kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musadye dzose dzinozeya asi dziine zondo risina kupararana kana kuti dzine zondo rakapararana asi dzisingazeyi. Musadye nghamera netsuro nembira nokuti kunyange dzichizeya zvadzo, zondo radzo harina kupararana, dzinokun'oresai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;
Shona 2009?
Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;
Shona SUB 2002 Bible
Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;