Deuteronomy 15:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kumugoʋerera ɀakanaka pamakwai ako, napaɓuriro rako, napaciȿiniro cako cewaini; seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, unofanira kumupa saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupewo dzimwe mbudzi dzako nehwai dzako nembesanwa dzako neimwe waini yako, usingaite kanyimiramundiro. Mupe maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.
Shona 2009?
Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.