Deuteronomy 15:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana akati kwauri: Handiɗi haŋgu kubva kwamuri, nokuti unokuɗa iwe naʋeimba yako, nokuti unofara hake newe,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kana muranda wako akati, ‘Handidi zvangu kusiyana nemi,’ achidaro nokuti anofarira iwe nemhuri yako achigarawo newe zvakanaka zvichimunakirawo kugara newe,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana akati kwauri, ‘Handidi hangu kubva kwamuri,’ nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe,
Shona 2009?
"Asi kana akati kwauri, `Handidi hangu kubva kwamuri,' nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe,
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana akati kwauri, ‘Handidi hangu kubva kwamuri,’ nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe,