Deuteronomy 15:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haɀifaniri kuita sokukuȿiɓisa mŋoyo wako kana ucimurega kuti aende hake; nokuti wakakuɓatira makore matanhatu, acifanirwa nomuɓairo waʋaranda ʋaʋiri; Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paneɀose ɀaunoita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paunopa rusununguko muranda wako kuti aende zvake, ngachirege kuva chinhu chakakuomera nokuti basa raakakuitira kwamakore matanhatu rinopfuura basa rinoitwa nomushandi anotambiriswa mari rwakapetwa ruviri. Pakadaro Tenzi Mwari wako achakukomborera kakapetwa ruviri pane zvose zvaunoita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hazvifaniri kuita sokukusvibisa mwoyo wako kana uchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.
Shona 2009?
Hazvifaniri kuita sokukusvibisa moyo wako kana muchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.
Shona SUB 2002 Bible
Hazvifaniri kuita sokukusvibisa mwoyo wako kana uchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubairo wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.