Deuteronomy 15:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mikono yose yaʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehova Mŋari wako; haufaniri kuɓate‐ɓasa nomŋana wemhoŋgora dzeŋombe dzako, kana kuʋeʋura ʋana ʋemhoŋgora dzamakwai ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Matangwe ose emombe dzako neezvimwe zvipfuwo zvako anenge ari mikono, atsaurire Tenzi Mwari wako. Usaitise basa matangwe emombe kana kuveura makushe amatangwe ezvimwe zvipfuwo zvako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako.
Shona 2009?
"Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako.
Shona SUB 2002 Bible
“Mikono yose yavana vematangwe emombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wematangwe emombe dzako, kana kuveura vana vematangwe amakwai ako.