Deuteronomy 15:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nzira yesunuŋguro ndiyo: Mumŋe nomumŋe wakapa cikwerete, unofanira kusunuŋgura ico caakapa hama yake; ŋgaarege kucireʋa kunowokwake kana hama yake; nokuti sunuŋguro yaJehova yaparidzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvamuchaita ndezvizvi: munhu wose anenge akakweretesa mumwe wake chinhu ngaarege kuchireva. Ngaarege kuchibvunza kuhama yake kana kuno mumwe muIsiraeri nokuti zvakataurwa naTenzi zviya zvokusazoreva chikwereti zvinenge zvatovapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwerete, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nokuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.
Shona 2009?
Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwereti, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nokuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nzira yesununguro ndiyoyi: Mumwe nomumwe wakapa chikwereti, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nokuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.