Deuteronomy 15:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana uciŋgoshiŋgaira kwoga kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, kuti ucenjere kuita murairo uyu wose, wandinokuraira nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokunge wanyatsoteerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchingwarirawo kuchengeta mitemo yose yandinokupa nhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana uchingoshingaira kwoga kuterera izwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi.
Shona 2009?
kana uchingoshingaira koga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
kana uchingoshingaira kwoga kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murairo uyu wose, wandinokuraira nhasi.