Deuteronomy 15:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova Mŋari wako ucakuropafadza, seɀaakakupikira; iwe ucapa dzimŋe ndudzi zhinji cikwerete, asi iwe usatora cikwerete; iwe ucaɓata ndudzi zhinji, asi idzo hadziŋgakuɓati iwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chandinodariro ndechichi chokuti, Tenzi Mwari wako achakukomborerai sokukutsidzirai kwaakaita. Muchakweretesa dzimwe ndudzi dzavanhu zhinji, asi imi musingambokwereti. Imi muchatonga ndudzi dzavanhu zhinji, asi idzo hadzizokutongii.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwerete, asi iwe usatora chikwerete; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.
Shona 2009?
Nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwereti, asi iwe usatora chikwereti; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.Varombo navaranda
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwereti, asi iwe usatora chikwereti; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.