Deuteronomy 15:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cenjera kuti urege kufuŋga ɀakaipa mumŋoyo mako, uciti: Gore recinomŋe, iro gore resunuŋguro, riri pedyo; iwe ukaʋa nomufuŋgo wakaipa kuhama yako, ukasamupa cinhu; iye akacema kunaJehova Mŋari wako pamsoro pako, cikaʋa ciʋi kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chenjerera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako uchiti, ‘Zvino gore rechinomwe, gore rokusazoreva chikwereti hero rosvika,’ woomesera mwoyo hama yako murombo uchimunyima. Achachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako, uchiti, ‘Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedyo;’ iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.
Shona 2009?
Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumoyo mako, uchiti, `Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedo,' iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.
Shona SUB 2002 Bible
Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako, uchiti, ‘Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedyo;’ iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.