Deuteronomy 16:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kutambira Jehova Mŋari wako mutambo mazuʋa manomŋe panɀimbo icatsaurwa naJehova; nokuti Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paɀiɓereko ɀose ɀeminda yako, napamaɓasa ose amaʋoko ako, kuti ufare kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwamazuva manomwe upemberere Mutambo kuna Jehovha Mwari wako panzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza mukukohwa kwako kwose nomubasa rako rose ramaoko ako, uye mufaro wako uchazadziswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mazuva manomwe ngaaperere mukupemberera Tenzi Mwari wako muri panzvimbo yaachasarudza nokuti Tenzi Mwari wako achakukomborera pane zvaunokohwa zvose nebasa rose ramaoko ako, mugonyatsofara zvenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kutambira Jehovha Mwari wako mutambo mazuva manomwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pazvibereko zvose zveminda yako, napamabasa ose amaoko ako, kuti ufare kwazvo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible