Deuteronomy 16:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usadya ciŋgwa cakaʋiriswa pamŋe cete nayo; unofanira kuita mazuʋa manomŋe ucidya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa pamŋe cete nayo, ndico ciŋgwa cokutambudzika; nokuti wakaɓuɗa panyika yeEgipita nokukurumidza; kuti uraŋgarire zuʋa rawakaɓuɗa naro panyika yeEgipita mazuʋa ose oʋupenyu bgako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usaidya nechingwa chine mbiriso, asi kwamazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chokutambudzika, nokuti makabuda muIjipiti muchikurumidza—kuitira kuti murangarire nguva yamakabuda kubva muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mabiko acho usaadye nechingwa chine mbiriso. Pedza mazuva manomwe uchiadya nechingwa chisina mbiriso, chingwa chomunhamo, kuitira kuti muupenyu hwako hwose urangarire zuva rawakabuda muIjipiti uchiita zvechimbichimbi kutiza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usadya chingwa chakaviriswa pamwechete nayo; unofanira kuita mazuva manomwe uchidya chingwa chisina kuviriswa pamwechete nayo, ndicho chingwa chokutambudzika; nokuti wakabuda panyika yeIjipiti nokukurumidza; kuti urangarire zuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti mazuva ose oupenyu hwako.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible