Deuteronomy 16:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa matanhatu; pazuʋa recinomŋe unofanira kuita ʋuŋgano huru kunaJehova Mŋari wako; usaɓata maɓasa naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwamazuva matanhatu mudye chingwa chisina mbiriso uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano kuna Jehovha Mwari wenyu uye murege kushanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe unganidzanai pana Tenzi Mwari wenyu muite musangano mukuru. Regai kuita basa musi iwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva matanhatu; pazuva rechinomwe unofanira kuita ungano huru kuna Jehovha Mwari wako; usabata mabasa naro.
Shona 2009?
Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva matanhatu; pazuva rechinomwe unofanira kuita ungano huru kuna Jehovha Mwari wako; usabata mabasa naro.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva matanhatu; pazuva rechinomwe unofanira kuita ungano huru kuna Jehovha Mwari wako; usabata mabasa naro.