Deuteronomy 17:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ukaȿika panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, ikaʋa yako, ukagara’mo, ukati: Ndicaɀigadzira mambo, seɀinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu uye kana muchinge maitora kuti ive yenyu, uye magara mairi, uye mukati, “Ngatizvigadzirei mambo sezvakaita ndudzi dzose dzakapoteredza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana uchinge wazosvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako waitora wagarikana ukazoti, ‘Regai tichigadza mambo wedu anotitonga sezvakaita mamwe marudzi ari munharaunda yedu,’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ikava yako, ukagaramo, ukati, ‘Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza’;
Shona 2009?
"Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ikava yako, ukagaramo, ukati, `Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza';
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ikava yako, ukagaramo, ukati, ‘Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza’;