Deuteronomy 17:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ŋgaarege kuɀiwanzira mabiza, kana kudzosera ʋanhu Egipita, kuti aɀiwanzire mabiza; nokuti Jehova wakati kwauri: Usadzoka ɀe kubva ɀino nenzira iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo haafaniri kuva namabhiza akawanda kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotora mamwe, nokuti Jehovha akutaurirai kuti, “Hamufaniri kudzoka nenzira iyoyo zvakare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi chete ngaarege kuwanza mabhiza ake, kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotsvaka mamwe mabhiza okuwedzera sezvo Tenzi akakutii, ‘Musazodzokerazve nokwakareko.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ngaarege kuzviwanzira mabhiza, kana kudzosera vanhu Ijipiti, kuti azviwanzire mabhiza; nokuti Jehovha wakati kwauri, ‘Usadzokazve kubva zvino nenzira iyo.’
Shona 2009?
Asi ngaarege kuzviwanzira mabhiza, kana kudzosera vanhu Ijipiti, kuti azviwanzire mabhiza; nokuti Jehovha wakati kwauri, `Usadzokazve kubva zvino nenzira iyo.'
Shona SUB 2002 Bible
Asi ngaarege kuzviwanzira mabhiza, kana kudzosera vanhu Ijipiti, kuti azviwanzire mabhiza; nokuti Jehovha akati kwauri, ‘Usadzokazve kubva zvino nenzira iyo.’