Deuteronomy 17:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana iye ogara pacigaro cake coʋushe, unofanira kunyora murairo uyu mubuku yake, acitora mashoko ari kuʋaprista ʋaRevi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana achinge agara pachigaro chake choushe, anofanira kuzvinyorera bhuku romurayiro uyu, achitora kubva mumirayiro yavaprista vanova vaRevhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paanenge agadzwa umambo munyika yake, ngaazvinyorere bhuku romutemo kubva mubhuku rawo rinochengetwa navapristi vechiRevhi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvapristi vaRevhi;
Shona 2009?
Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvaprista vaRevhi;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murairo uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvapristi vaRevhi;