Deuteronomy 17:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana pakati pako mukati merimŋe ramasuʋo ako, aunopiwa naJehova Mŋari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wako, aciɗarika suŋgano yake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana pakati penyu mune rimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha pakawanikwa murume kana mukadzi achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu, achiputsa sungano,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvingaitike kuti unganzwe kuti pakati penyu, mune rimwe guta renyu ramuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu mune mumwe murume kana mukadzi anoita chinhu chakaipa pana Tenzi Mwari wenyu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana pakati pako mukati merimwe ramasuo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achidarika sungano yake,
Shona 2009?
"Kana pakati pako mukati merimwe ramasuo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achidarika sungano yake,
Shona SUB 2002 Bible
“Kana pakati pako mukati merimwe ramasuwo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achidarika sungano yake,