Deuteronomy 17:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti mŋoyo wake urege kuɀikudza pamsoro pehama dzake, arege kutsauka pamurairo uyu, kana kurudyi, kana kuruɓoshwe; kuti awedzere mazuʋa ake paʋushe bgake, iye, naʋana ʋake, pakati paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye haafaniri kuzviona seari nani kupfuura hama dzake agotsauka kubva pamurayiro kurudyi kana kuruboshwe. Ipapo iye nezvizvarwa zvake achagara nguva huru paushe hwake muIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka haazozvikudza pakati pehama dzake, otsauka pamutemo oita zvomusoro wake. Saizvozvo anozogara upenyu hwakareba munyika yaanotonga, iye navana vake, muIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti mwoyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro, uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe; kuti awedzere mazuva ake paushe hwake, iye, navana vake, pakati paIsiraeri.
Shona 2009?
kuti moyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro, uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe; kuti awedzere mazuva ake paushe hwake, iye, navana vake, pakati paIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
kuti mwoyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurairo, uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe; kuti awedzere mazuva ake paushe hwake, iye, navana vake, pakati paIsiraeri.