Deuteronomy 17:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mhaka ikamuka yamusiŋgagoni kutoŋga, kana yokuʋurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuʋadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuʋo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mhaka dzikauya kumatare enyu dzakanyanya kukuomerai kuti mutonge, dzingava dzokudeurwa kweropa, dzokukwirirana matare kana dzokurwa, endai nadzo kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mumaguta enyu mungangoparwa mhosva pakati penyu dzamunenge musingakwanisi kunyatsopatsanura, ingave mhosva yokuti akaponda munhu here kana kuti akamuuraya mukusaziva, kana kuti imwe mhosva inodarika mutemo uyu kana uyu, kana kuti kukuvadzwa kwakaitwa munhu kwakaitwa sei, kana kuti ndiani ane mhosva kana asina, pakadaro endai kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana mhaka ikamuka yamusingagoni kutonga, kana yokuurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuvadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako;
Shona 2009?
"Kana mhaka ikamuka yamusingagoni kutonga, kana yokuurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuvadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana mhaka ikamuka yamusingagoni kutonga, kana yokuurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuvadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuwo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako;