Deuteronomy 18:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
seɀawakakumbira kunaJehova Mŋari wako paHorebi nomusi weʋuŋgano, uciti: Ndirege haŋgu kuzonzwa ɀe inzwi raJehova Mŋari waŋgu, ʋuye ndirege haŋgu kuzoʋona ɀe mŋoto uyu mukuru, ndirege kufa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhu pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Handiti musi uya, takaungana paGomo reSinai makakumbira Tenzi Mwari wenyu muchiti, ‘Dai waro tachirega zvedu kunge tichanzwa Tenzi achitaura, kana kuramba tichiona zimoto iri nokuti tingafe.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti, “ ‘Ndirege hangu kuzonzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.’
Shona 2009?
sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti, "Ndirege hangu kuzonzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.'
Shona SUB 2002 Bible
sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano uchiti, ‘Ndirege hangu kuzonzwazve izwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.’