Deuteronomy 19:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndiwo murairo womuʋurayi unotizira’ko akazorarama: Munhu upi noupi unoʋuraya wokwake, nokusaziʋa, asina‐kumuʋeŋga kare;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyu ndiwo murayiro pamusoro pomunhu anenge auraya mumwe munhu anotizirako kuti aponese upenyu hwake, munhu anouraya muvakidzani wake asingazivi, asina kunge amuvenga kare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwoyu ndiwo murao wokuti munhu anenge auraya mumwe mukusaziva pasina ruvengo akange atizirako apunyuke rufu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndiwo murayiro womuurayi unotizirako akazorarama: Munhu upi noupi unouraya wokwake, nokusaziva, asina kumuvenga kare;
Shona 2009?
Zvino ndiwo murayiro womuurayi unotizirako akazorarama: Munhu upi noupi unouraya wokwake, nokusaziva, asina kumuvenga kare;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndiwo murairo womuurayi unotizirako akazorarama: Munhu upi noupi unouraya wokwake, nokusaziva, asina kumuvenga kare;