Deuteronomy 19:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
somunhu unoti kana acienda nowokwake kuɗondo kundotema huni, akasimudza ruʋoko rwake kuti ateme muti nesanhu, ɗare ndokuvomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kunerimŋe ramaguta awa, ararame.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Somuenzaniso, munhu anogona kupinda musango nomuvakidzani wake kundotema huni, paanosimudza demo kuti ateme muti, demo rovhomoka rotema muvakidzani wake ofa. Munhu iyeye anogona kutizira kune rimwe ramaguta aya agoponesa mweya wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvingaitike kuti munhu oenda musango kundotema miti aine mumwe wake, poti achitema muti kudaro, demo rake roguka rotema mumwe wake obva afa. Nyakuuraya mumwe ngaatizire kune rimwe ramaguta iwayo kundopoterako apunyuke rufu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
somunhu unoti kana achienda nowokwake kudondo kundotema huni, akasimudza ruoko rwake kuti ateme muti nesanhu, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kune rimwe ramaguta awa, ararame.
Shona 2009?
somunhu unoti kana achienda nowokwake kudondo kundotema huni, akasimudza ruoko rwake kuti ateme muti nesanhu, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kune rimwe ramaguta awa, ararame.
Shona SUB 2002 Bible
somunhu unoti kana achienda nowokwake kudondo kundotema huni, akasimudza ruoko rwake kuti ateme muti nedemo ndokuvhomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kune rimwe ramaguta awa, ararame.