Deuteronomy 19:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuti mutsiʋi weropa arege kuteʋerera muʋurayi, mŋoyo wake ucineshuŋgu, akamuɓata nokuti kure, akamuroʋa akafa; iɀo wakaŋga asina‐kufanirwa norufu, nokuti wakaŋga asina‐kumuʋeŋga kare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvimwe, mutsivi weropa angamutevera mukutsamwa, akamubata kana rwendo rwuri rurefu kwazvo, akamuuraya kunyange zvake akanga asingafaniri kufa, sezvo asina kuzviita kumuvakidzani wake noruvengo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana kokutizira kukaita kure, mutsivi weropa rehama angadaro akamuronda akamubata panzira, nehasha dzaanenge anadzo akamuuraya iye asingakodzere kuurayiwa nokuti anga asingavenge mumwe wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuti mutsivi weropa arege kuteverera muurayi, mwoyo wake uchine shungu, akamubata nokuti kure, akamurova akafa; izvo wakanga asina kufanirwa norufu, nokuti wakanga asina kumuvenga kare.
Shona 2009?
Kuti mutsivi weropa arege kuteverera muurayi, moyo wake uchine shungu, akamubata nokuti kure, akamurova akafa; izvo wakanga asina kufanirwa norufu, nokuti wakanga asina kumuvenga kare.
Shona SUB 2002 Bible
Kuti mutsivi weropa arege kuteverera muurayi, mwoyo wake uchine shungu, akamubata nokuti kure, akamurova akafa; izvo wakanga asina kufanirwa norufu, nokuti wakanga asina kumuvenga kare.