Deuteronomy 2:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaʋaHori ʋo ʋakaŋga ʋagere Seiri kare; asi ʋana ʋaEsau ʋakaʋateʋera, ʋakaʋaparadza pamberi paʋo, ʋakagara panɀimbo yaʋo; seɀakaita ʋaIsraeri nenyika yaʋo yaʋakapiwa naJehova iʋe yaʋo.)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaHori vaimbogarawo muSeiri, asi vana vaEsau vakavadzinga kubva imomo. Vakaparadza vaHori vakanga varimo ivo vasati vavamo vakagara munzvimbo yavo, sezvakangoitawo Israeri munyika yavakapiwa naJehovha kuti ive yavo).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kareko vaHori vaigara kuSeiri. Asi vana vaEsau vakavatorera nyika yavo vakavaparadza ndokubva vagaramo ivo sezvakaitwa navaIsiraeri munyika yavakapiwa naTenzi kuti ive nhaka yavo).
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)
Shona 2009?
NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)
Shona SUB 2002 Bible
NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita VaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)