Deuteronomy 2:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Sihoni, mambo weHeshboni, wakaramba kutitendera kupfuʋura nokwaari, nokuti Jehova Mŋari wako wakawomesa mŋeya wake, akarambidza mŋoyo wake, kuti amuise iye muruʋoko rwako, seɀaɀakaita nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akaramba kutitendera kuti tipfuure namo. Nokuti Jehovha Mwari wenyu akanga aomesa mweya wake uye akanga arambidza mwoyo wake, kuti agomuisa mumaoko enyu, sezvaaita iye zvino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akatirambidza kutsika nomo nokuti Tenzi Mwari wedu akamusindimadza akamuomesa mwoyo wake kuti amuise mumaoko enyu sezvaari nhasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza mwoyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.
Shona 2009?
Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza moyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakaomesa mweya wake, akarambidza mwoyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.