Deuteronomy 2:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza cose maguta ose aiʋa naʋanhu, pamŋe cete naʋakadzi naʋana ʋaɗuku, hatina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo takatora maguta ake ose tikaaparadza chose, varume navakadzi uye navana. Hapana watakasiya ari mupenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takatora maguta ake ose panguva iyoyo tikanyatsoparadza maguta ose navarume navakadzi navapwere. Hakuna kunyange nomumwe wavo watakasiya ari mupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe.
Shona 2009?
Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyangwe nomumwe.