Deuteronomy 2:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva paAroeri pamuʋuyo worwizi Arnoni, nokuguta riri parwizi, kuȿikira Gireadi, kwakaŋga kusineguta rakatikurira; Jehova Mŋari weɗu wakaaisa ose pamaʋoko eɗu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni, nokubva kuguta rokumupata, kunyange kusvikira kuGireadhi, hakuna kumbova kana neguta rimwe chete rakatikunda. Jehovha Mwari wedu akatipa vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira kuguta reAroero riri nechokumucheto webani reArinoni neguta riri munyasi morukova imomo kundosvika kuGireadhi, kwakanga kusina maguta akanga ane tsvingo dzakareba zvokuti taitadza kukwira. Tenzi Mwari wedu akaaisa ose mumaoko medu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Gireadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;
Shona 2009?
Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Giriyadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;
Shona SUB 2002 Bible
Kubva paAroeri pamucheto worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Giriadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;