Deuteronomy 2:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova Mŋari wako wakakuropafadza pamaɓasa ose amaʋoko ako; iye unoziʋa kufamba kwako murenje iri guru. Jehova Mŋari wako wakaʋa newe makore awa makumi manna; haunakushaiwa cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Iye akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai pane zvose zvamakaita namaoko enyu. Akakuchengetai pamaidzungaira muzigwenga guru iri. Kwamakore makumi mana aya Tenzi Mwari wenyu akanga achingova nemi. Hapana chamakashaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“ ‘Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.’
Shona 2009?
Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.'
Shona SUB 2002 Bible
“ ‘Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye anoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore aya makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.’