Deuteronomy 2:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kwandiri: Usarwa naʋaMoabi, kana kuʋaʋamba pakurwa; nokuti handiŋgakupi nyika yaʋo, iʋe yako; nokuti ndakapa Ari ʋana ʋaRoti, iʋe yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akataura kwandiri, akati, “Musafurusa vaMoabhu kana kuvadenha, nokuti handizokupai chikamu chipi zvacho chenyika yavo. Ndakapa Ari kuvana vaRoti kuti ive yavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akanditi, ‘Musambonetsa vaMoabhu, kana kurwisana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo kuti ive nhaka yenyu nokuti ndakapa guta reAru kuvana vaRoti kuti ive nhaka yavo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nokuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nokuti ndakapa Ari vana vaRoti, ive yavo.’
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kwandiri, `Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nokuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nokuti ndakapa Ari kuvana vaRoti, ive yavo.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nokuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nokuti ndakapa Ari vana vaRoti, ive yavo.’