Deuteronomy 20:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana iʋo ʋacikupindura norugare, ʋakakuzarurira masuʋo aʋo, ipapo ʋanhu ʋose ʋanowanikwa mukati maro ʋanofanira kukuterera mutero nokukuɓatira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana varugamuchira vakazarura masuo avo, vanhu vose vomo vanofanira kumanikidzwa kushanda uye vanofanira kukushandirai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vada zvokuwirirana nemi, vakakuzarurirai misuo mikuru yeguta ravo, vanhu vose veguta iroro vatova varanda venyu, vachakushandirai chibharo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira.
Shona 2009?
Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuwo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira.