Deuteronomy 20:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aciti kwaʋari: Inzwai imi Israeri, nhasi mosweɗera pakurwa naʋaʋeŋgi ʋenyu; mŋoyo yenyu ŋgairege kupera simba; regai kutya, kana kuɗeɗera, kana kuvunduka pamberi paʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana kutya; regai kutyiswa kana kuvhundutswa pamberi pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Teererai munzwe imi vaIsiraeri! Nhasi uno mava kuenda kundorwa navavengi venyu. Musaite umbwende kana mwoyo wokutya. Regai kubvunda kana kuvazeza
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
achiti kwavari, ‘Inzwai imi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, mwoyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo;
Shona 2009?
achiti kwavari, `Inzwai imwi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, moyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo;
Shona SUB 2002 Bible
achiti kwavari, ‘Inzwai imi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, mwoyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo;