Deuteronomy 20:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋakuru ʋanofanira kutaura naʋanhu, ʋaciti: Panomunhu here wakaʋaka imba itȿa, ucigere kutaŋga kuigara? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumŋe akataŋga kuigara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru vachatiwo kuvarwi, “Pane akavaka imba yake itsva here asati aikumikidza? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazoikumikidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vatungamiriri vehondo vanozoti, ‘Pane munhu here akavaka imba yaasati aturira kuna Mwari? Ngaadzokere kuimba yake angadaro akafa muhondo iyi imba yake ikatozoturirwa nomumwewo munhu kuna Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, ‘Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara.
Shona 2009?
"Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, `Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara.
Shona SUB 2002 Bible
“Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, ‘Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara.