Deuteronomy 20:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ʋakuru ʋanofanira kutaura ʋo kuʋanhu, ʋaciti: Panomunhu here unotya, unomŋoyo unovunduka? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti mŋoyo yehama dzake irege kunyauka somŋoyo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakuru vachati zvakare, “Pane anotya here kana ane mwoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake kuitira kuti hama dzake dzisazorwadziwawo mwoyo saiye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vatungamiriri vehondo ngavazobvunzawo varwi vachiti, ‘Pane munhu here ari kutya kana ane ruzazu? Ngaadzokere kumusha nokuti angazadze vamwe mweya woumbwende.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, ‘Pano munhu here unotya, unomwoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti mwoyo yehama dzake irege kunyauka somwoyo wake.’
Shona 2009?
"Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, ‘Pano munhu here unotya, unomoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti moyo yehama dzake irege kunyauka somoyo wake.'
Shona SUB 2002 Bible
“Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, ‘Pano munhu here unotya, uno mwoyo uno vhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti mwoyo yehama dzake irege kunyauka somwoyo wake.’