Deuteronomy 21:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako, pakawanikwa munhu wakaʋurawa akatandaʋara kusaŋgo, kusiŋgazikanwi kuti wamuʋuraya ndiani,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akawanikwa akafa, akatandavara musango munyika iyo Jehovha Mwari wako ari kukupai kuti ive yenyu, uye musingazivi kuti ndiani amuuraya,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ngatiti munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako mowanikwa chitunha chomunhu akaurayiwa chiri musango pasingazikanwi munhu akamuuraya,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako, pakawanikwa munhu akaurawa akatandavara kusango, kusingazikanwi kuti wamuuraya ndiani,
Shona 2009?
"Kana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako, pakawanikwa munhu akaurawa akatandavara kusango, kusingazikamwi kuti wamuuraya ndiani,
Shona SUB 2002 Bible
“Kana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako, pakawanikwa munhu akaurayiwa akatandavara kusango, kusingazikanwi kuti wamuuraya ndiani,