Deuteronomy 21:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi unofanira kutenda mŋanakomana wounoʋeŋgwa, kuti ndiye weɗaŋgwe, amupe migoʋe miʋiri yeɀose ɀaanaɀo; nokuti ndiye wokutaŋga wesimba rake; ndiye unofanirwa noʋuɗaŋgwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kugamuchira mwanakomana womukadzi wake waasingadi sedangwe nokumupa mugove wakapetwa kaviri wezvose zvaanazvo. Mwanakomana iyeye ndiye chiratidzo chokutanga chesimba rababa vake. Kodzero yomwana wedangwe ndeyake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaatore dangwe sedangwe, iye mwana womukadzi waasisade wacho. Ngaaratidze izvozvo nokumupa chikamu chenhaka chakapetwa yezvaanazvo zvose kaviri nokuti ndiye mwana wake waakatanga-tanga kubereka, ane mvumo yokuwana zvose zvoudangwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi anofanira kutenda mwanakomana wounovengwa, kuti ndiye wedangwe, amupe migove miviri yezvose zvaanazvo; nokuti ndiye wokutanga wesimba rake; ndiye anofanirwa noudangwe.
Shona 2009?
asi anofanira kutenda mwanakomana wounovengwa, kuti ndiye wedangwe, amupe migove miviri yezvose zvaanazvo; nokuti ndiye wokutanga wesimba rake; ndiye anofanirwa noudangwe.
Shona SUB 2002 Bible
asi anofanira kutenda mwanakomana wounovengwa, kuti ndiye wedangwe, amupe migove miviri yezvose zvaanazvo; nokuti ndiye wokutanga wesimba rake; ndiye anofanirwa noudangwe.