Deuteronomy 21:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaprista ʋana ʋaRevi ʋanofanira kusweɗera, nokuti ndiʋo ʋakatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti ʋamushumire, nokuropafadza ʋanhu nezita raJehova; nokuti cireʋo cenharo dzose nokukuʋadza kwose ɀinofanira kutemŋa naʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista, vanakomana vaRevhi vanofanira kuuya pamberi, nokuti Jehovha Mwari wenyu akavasarudza kuti vashumire nokuropafadza muzita raJehovha uye vanofanira kutonga pamhaka dzose dzegakava nedzokurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vechiRevhi ngavaendeko nokuti ndivo vakasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuti vamushandire nokukomborera muzita raiye Tenzi. Zvavanenge vatema ivo ndizvo zvinopedza mhosva dzose dzokukakavadzana nedzokupondana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vapristi vana vaRevhi vanofanira kuswedera, nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti vamushumire, nokuropafadza vanhu nezita raJehovha; nokuti chirevo chenharo dzose nokukuvadza kwose zvinofanira kutemwa navo;
Shona 2009?
vaprista vana vaRevhi vanofanira kuswedera, nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti vamushumire, nokuropafadza vanhu nezita raJehovha; nokuti chirevo chenharo dzose nokukuvadza kose zvinofanira kutemwa navo;
Shona SUB 2002 Bible
vapristi vana vaRevhi vanofanira kuswedera, nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti vamushumire, nokuropafadza vanhu nezita raJehovha; nokuti chirevo chenharo dzose nokukuvadza kwose zvinofanira kutemwa navo;