Deuteronomy 21:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi Jehova, kaŋganwirai henyu ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋamakadzikinura; musatendera kuti ropa risinemhoȿa rigare pakati paʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri. Ipapo ʋacakaŋganwirwa ropa iro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gamuchirai henyu yananiso yavanhu venyu vaIsraeri, vamakadzikinura, imi Jehovha, uye musabata vanhu venyu nemhosva yokuteura ropa romunhu asina mhaka.” Zvino kuteurwa kweropa kuchayananisirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenziwe-e, regereraiwo vanhu venyu vaIsiraeri vamakanunura. Musape vanhu venyu vaIsiraeri mhosva yokudeura ropa romunhu asina mhaka.’ Mhosva yokudeura ropa romunhu ngairege kuva pavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi Jehovha kanganwirai henyu vanhu venyu vaIsiraeri, vamakadzikinura; musatendera kuti ropa risine mhosva rigare pakati pavanhu venyu vaIsiraeri.’ Ipapo vachakanganwirwa ropa iro.
Shona 2009?
imwi Jehovha kangamwirai henyu vanhu venyu valsiraeri, vamakadzikunura; musatendera kuti ropa risine mhosva rigare pakati pavanhu venyu vaIsiraeri.' Ipapo vachakangamwirwa ropa iro.
Shona SUB 2002 Bible
Imi Jehovha kanganwirai henyu vanhu venyu VaIsiraeri, vamakadzikinura; musatendera kuti ropa risine mhosva rigare pakati pavanhu venyu VaIsiraeri.’ Ipapo vachakanganwirwa ropa iro.