Deuteronomy 22:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
tarirai, wamupomera ɀinhu ɀinonyadza, aciti: Handina‐kuwana ɀiratidzo ɀoʋumhandara kumŋanasikana wako; asi heɀi ɀiratidzo ɀoʋumhandara bgomŋanasikana waŋgu. Ɀino ʋanofanira kuwarira ŋguʋo pamberi paʋakuru ʋeguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino anomunyomba achiti, ‘Handina kuwana mwanasikana wenyu ari mhandara.’ Asi hechi chiratidzo choumhandara hwomwanasikana wangu.” Ipapo vabereki vake vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezvo akamufumura achimupomera kuti haana kuwana umhandara pamwana wangu. Asi zvinoratidza umhandara hwake ndezvizvi.’ Vachabva vatambanudza jira pameso avakuru vakuru veguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
tarirai, wamupomera zvinhu zvinonyadza,’ achiti, ‘Handina kuwana zviratidzo zvoumhandara kumwanasikana wako; asi hezvi zviratidzo zvoumhandara hwomwanasikana wangu.’ Zvino vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta.
Shona 2009?
tarirai, wamupomera zvinhu zvinonyadza,' achiti, `Handina kuwana zviratidzo zvoumhandara kumwanasikana wako; asi hezvi zviratidzo zvoumhandara hwomwanasikana wangu.' Zvino vanofanira kuwarira nguvo pamberi pavakuru veguta.
Shona SUB 2002 Bible
tarirai, wamupomera zvinhu zvinonyadza,’ achiti, ‘Handina kuwana zviratidzo zvoumhandara kumwanasikana wako; asi hezvi zviratidzo zvoumhandara hwomwanasikana wangu.’ Zvino vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta.