Deuteronomy 22:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokumuripisa mashekeri esirveri anezana, ʋagoapa ɓaɓa ʋomusikana, nokuti wakataura ɀakaipa pamsoro pomusikana waIsraeri; ɀino iye unofanira kuʋa mukadzi wake, haaŋgamurashi mazuʋa ake ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachamuripisa mashekeri esirivha anosvika zanaa vagopa kuna baba vomusikana, nokuti murume uyu apa zita rakaipa kumhandara yeIsraeri. Iye acharamba ari mukadzi wake; haafaniri kumuramba upenyu hwake hwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngavamuripise mari inokwana zana remari yesirivha, vaipe baba womukadzi wake nokuti akasvibisa zita remhandara yeIsiraeri. Acharamba ari mukadzi wake uye murume iyeyo haabvumirwi kuzoramba mukadzi iyeyo upenyu hwake hwose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokumuripisa mashekeri esirivha ane zana, vagoapa baba vomusikana, nokuti wakataura zvakaipa pamusoro pomusikana waIsiraeri; zvino iye anofanira kuva mukadzi wake, haangamurashi mazuva ake ose.
Shona 2009?
nokumuripisa mashekeri esirivha ane zana, vagoapa baba vomusikana, nokuti wakataura zvakaipa pamusoro pomusikana waIsiraeri; zvino iye anofanira kuva mukadzi wake, haangamurashi mazuva ake ose.
Shona SUB 2002 Bible
nokumuripisa mashekeri esirivha ane zana, vagoapa baba vomusikana, nokuti wakataura zvakaipa pamusoro pomusikana waIsiraeri; zvino iye anofanira kuva mukadzi wake, haangamurashi mazuva ake ose.