Deuteronomy 22:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ipapo munofanira kuʋaɓuɗisa ʋose ʋari ʋaʋiri pasuʋo reguta, mugoʋataka namabge, ʋafe, musikana nokuti haana‐kuridza mhere, ari muguta hake, ʋuye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saiɀoɀo iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
munofanira kutora vose vari vaviri mugoenda navo pasuo reguta mugovataka namabwe vafe, musikana nokuda kwokuti akanga ari muguta akasaridza mhere kuti anunurwe, uye murume uyu nokuda kwokuti akakanganisa mukadzi womumwe murume. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatorei muende navo kugedhi kusuo guru romuguta iroro muvateme namabwe vafe, vose vari vaviri. Musikana anofira nyaya yokuti kunyange zvake aiva muguta haana kuridza mhere. Murume anofirawo nyaya yokufumura mukadzi womuridzi. Naizvozvo muchaita kuti huipi hwakadai upere pakati penyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
Shona 2009?
ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
Shona SUB 2002 Bible
ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuwo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.