Deuteronomy 22:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyeŋgwa ari kusaŋgo, murume akaita simba naye, akaʋata naye, iye murume wakaʋata naye unofanira kufa, iye oga;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana murume akasangana nomusikana kunze kusango akamumanikidza kuvata naye, uye achinge akapiwa nduma yokuzowanikwa, murume aita izvi ndiye anofanira kufa chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kana murume akaona mhandara musango ichangobva kuroorwa akaibata chibharo, murume iyeyo chete akavata naye, ndiye anofanira kuurayiwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyengwa ari kusango, murume akaita simba naye, akavata naye, iye murume wakavata naye anofanira kufa, iye oga;
Shona 2009?
"Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyengwa ari kusango, murume akaita simba naye, akavata naye, iye murume wakavata naye anofanira kufa, iye oga;
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana murume akawana musikana uyo wakapfimbwa ari kusango, murume akaita simba naye, akavata naye, iye murume wakavata naye anofanira kufa, iye oga;