Deuteronomy 22:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuita saiɀoɀo ʋo nemboŋgoro yake; unofanira kuita saiɀoɀo ʋo neŋguʋo yake; unofanira kuita saiɀoɀo ʋo neɀinhu ɀose ɀehama yako ɀakarashika, caakaŋga arashikirwa naco, cikawanikwa newe; haufaniri kuɀinyenyeredza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uite zvimwe chetezvo kana uchinge waona mbongoro yehama yako kana nguo yake kana chinhu chipi zvacho chaanenge arasikirwa nacho. Usachisiya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo ndozvauchaita kana waona dhongi rake kana hanzu yake kana chimwe chinhu zvacho chomumwe wako chaanenge arasa. Usaite sousina hanya nacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kuita saizvozvowo nembongoro yake; unofanira kuita saizvozvowo nenguo yake; unofanira kuita saizvozvowo nezvinhu zvose zvehama yako zvakarashika, chaakanga arashikirwa nacho, chikawanikwa newe; haufaniri kuzvinyenyeredza.
Shona 2009?
Unofanira kuita saizvozvowo nembongoro yake; unofanira kuita saizvozvowo nenguvo yake; unofanira kuita saizvozvowo nezvinhu zvose zvehama yako zvakarashika, chaakanga arashikirwa nacho, chikawanikwa newe; haufaniri kuzvinyenyeredza.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kuita saizvozvowo nembongoro yake; unofanira kuita saizvozvowo nenguo yake; unofanira kuita saizvozvowo nezvinhu zvose zvehama yako zvakarasika, chaakanga arasikirwa nacho, chikawanikwa newe; haufaniri kuzvinyenyeredza.