Deuteronomy 22:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haufaniri kudɀara mbeu dzamarudzi maʋiri pamunda wako wemizambiriŋga, kuti ɀiɓereko ɀose ɀirege kutsaurirwa nɀimbo tȿene, idzo mbeu dzawadɀara, neɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usadyara mbeu dzamarudzi maviri mumunda wako wemizambiringa; kana ukaita izvi hazvisi zvirimwa zvawadyara chete zvasvibiswa asi kuti nezvibereko zvomunda wemizambiringa wako zvakare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Usadyare mbeu mbiri mumunda wako wemagirepisi. Kana ukangodaro, mbeu dzawakadyaramo nemichero yemagirepisi zvava kuera kwauri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haufaniri kudyara mbeu dzamarudzi maviri pamunda wako wemizambiringa, kuti zvibereko zvose zvirege kutsaurirwa nzvimbo tsvene, idzo mbeu dzawadyara, nezvibereko zvomunda wemizambiringa.
Shona 2009?
Haufaniri kudzvara mbeu dzamarudzi maviri pamunda wako wemizambiringa, kuti zvibereko zvose zvirege kutsaurirwa nzvimbo tsvene, idzo mbeu dzawadzvara, nezvibereko zvomunda wemizambiringa.
Shona SUB 2002 Bible
Haufaniri kudyara mbeu dzamarudzi maviri pamunda wako wemizambiringa, kuti zvibereko zvose zvirege kutsaurirwa nzvimbo tsvene, idzo mbeu dzawadyara, nezvibereko zvomunda wemizambiringa.