Deuteronomy 23:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti Jehova Mŋari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa ʋaʋeŋgi ʋako mumaʋoko ako; naiɀoɀo misasa yako inofanira kuʋa mitȿene, kuti arege kuʋona cinhu cakaipa pakati penyu, akufuratire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba-famba pamusasa wenyu achikuchengetedzai nokukurwirai kubva kuvavengi venyu. Musasa wenyu unofanira kuva mutsvene, kuitira kuti arege kuona zvisakarurama pakati penyu uye akazokufuratirai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu anofamba-famba mumusasa wenyu kuti akununurei achiisa vavengi venyu mumaoko menyu. Naizvozvo musasa wenyu ngaugare wakachena kuti asazoona tsvina dzakadaro pakati penyu akazokufuratirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti Jehovha Mwari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa vavengi vako mumaoko ako; naizvozvo misasa yako inofanira kuva mitsvene, kuti arege kuona chinhu chakaipa pakati penyu, akufuratire.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible